Recordings
Arrangement
Entrance vocals
Cantor: Soprano | Alto
Hake uyo Akatsungarara
Soprano | Alto
Inga wani — nezvokutsungarara makazvionera wakazomuitirei
Nokuti Mambo anonzwira tsitsi anonzwira tsitsi nourombo
Tenor | Bass
Makanzwa nezvo — kwaYobo kuti Mambo pakugumisira nokuti Mambo
anonzwira tsitsi anonzwira nourombo
Part 1 Verses
Soprano | Alto
- Nemiwo mirirai makatirira nokuti kuuya kwaMambo kwava pedyo-o-o, simbaradzai moyo yenyu.
- Hama dzangu regai kunyunyutirana mungadai mukazotongeswa-aa, simbaradzai moyo yenyu.
- Chionai mutongi atosvika ava pamusuwo-o-o, simbaradzai moyo yenyu.
- Teverai muenzaniso wokutirira matambudziko-o-o, simbaradzai moyo yenyu.
1st Chorus
Soprano | Alto
Imi hama dzangu, kudakara Mambo auye-e.
Murimi anotirira achimirira-a akangotarisira kuuya kwemvura yomunakamwe neyezhizha
Tenor | Bass
Tirirai tarisai zvinoita anotirira achimirira zvinoberekwa neivhu
zvakakosha, tarisira imi hama dzangu zvakakosha neyezhizha
part 2 Verses
Soprano | Alto
- Kupinda zvose vehama musatongopika musatongopika nedenga
- Kana napasi kana neimwewo musatongopika mhiko hayo
2nd Chorus
Soprano | Alto
Kana muchiti hongu kana muchiti kwete mungadaro mukazvipinza
mumhosva
Tenor | Bass
Ingotii hongu ingotii kwete mungadaro-o mumhosva